2 Timothy 4

Timotio anosimbiswa

1Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake: 2Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso. 3Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve; 4uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano. 5Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako. 6Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika. 7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo; 8kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake.

Mashoko ekupedzisira

9Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri. 10Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia. 11Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira. 12Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso. 13Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe. 14Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake; 15iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu. 16Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari. 17Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. 18Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni. 19Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo. 20Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara. 21Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese. 22Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.

Copyright information for Shona